Genesis 41

Kurota kwaFaro

1Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paRwizi Nairi. 2Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga. 3Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muna Nairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi. 4Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka.

5Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe. 6Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. 7Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota.

8Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kunʼanga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari.

9Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu. 10Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi. 11Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako. 12Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake. 13Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.”

14Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro.

15Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.”

16Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”

17Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Mukurota kwangu, ndakanga ndimire pamahombekombe aNairi, 18ipapo ndikaona mhou nomwe dzichibuda murwizi, dzakakora uye dzakanaka, uye dzikafura pakati petsanga. 19Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe dzakabuda, dzine nzara uye dzakashata uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa kudai munyika yose yeIjipiti. 20Mhou dzakaonda uye dzakashata dzakadya mhou nomwe dziya dzakakora dzakanga dzatanga kuuya. 21Asi kunyange zvazvo dzakadzidya, hakuna munhu aigona kuona kuti dzakanga dzaita izvozvo; dzaingoratidzika kushata sezvadzakanga dzakaita kare. Ipapo ndakapepuka.

22“Mukurota kwangu, ndakaonawo hura nomwe dzezviyo, dzizere uye dzakanaka, dzichikura padzinde rimwe chete. 23Shure kwadzo dzimwe hura nomwe dzakamera, dzakasvava, dzakaonda uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. 24Hura dziya dzakaonda dzakamedza dziya hura nomwe dzakanga dzakanaka. Ndakaudza nʼanga izvi, asi hakuna akagona kunditsanangurira.”

25Ipapo Josefa akati kuna Faro, “Kurota kwaFaro ndokumwe uye kwakafanana. Mwari akaratidza kuna Faro zvinhu zvaava kuda kuita. 26Mhou nomwe dzakanaka ndiwo makore manomwe, uye hura nomwe dzakanaka dzezviyo ndiwo makore manomwe amaguta; kurota uku kumwe chete uye kwakafanana. 27Mhou nomwe dzakaonda uye dzakashata dzakakwira pashure, ndiwo makore manomwe, ndizvowo nehura nomwe dzezviyo dzisingabatsiri dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva; ndiwo makore manomwe enzara.

28“Zvakangoita sezvandataura kuna Faro ndichiti: Mwari aratidza Faro zvaava kuda kuita. 29Makore manomwe amaguta makuru ari kuuya munyika yose yeIjipiti, 30asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika. 31Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo. 32Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.

33“Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti. 34Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze chikamu chimwe chete muzvishanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta. 35Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya. 36Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”

37Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose. 38Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?”

39Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe. 40Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”

Josefa anova Mutariri weIjipiti

41Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.” 42Ipapo Faro akabvisa mhete yake pamunwe wake akaiisa pamunwe waJosefa. Akamupfekedza nguo dzakaisvonaka uye akaisa uketani hwegoridhe pamutsipa wake. 43Akamuita kuti akwire pangoro yake ari wechipiri pakutungamirira, uye vanhu vakadanidzira pamberi pake vachiti, “Dziurai nzira!” Nokudaro akamuita mutariri weIjipiti yose.

44Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Ndini Faro, asi pasina shoko rawataura iwe hakuna munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake munyika yose yeIjipiti.” 45Faro akatumidza Josefa zita rokuti Zafenati-Panea uye akamupa Asenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni, kuti ave mukadzi wake. Uye Josefa akafamba munyika yose yeIjipiti.

46Josefa akanga ava namakore makumi matatu okuberekwa paakapinda pabasa raFaro mambo weIjipiti. Uye Josefa akabuda kubva pamberi paFaro akafamba munyika yose yeIjipiti. 47Panguva yamakore manomwe amaguta, nyika yakabereka zvizhinji kwazvo. 48Josefa akaunganidza zvokudya zvose zvakawanikwa mumakore manomwe aya amaguta muIjipiti akazviunganidza mumaguta. Muguta rimwe nerimwe akaisa zvokudya zvaibva muminda yakapoteredza. 49Josefa akaunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa; zvakanga zvakawanda zvokuti haana kuzokwanisa kuzvinyora nokuti zvakanga zvisisagoni kuyerwa.

50Makore enzara asati asvika, Josefa akanga aberekerwa vanakomana vaviri naAsenati mwanasikana waPotifera, muprista waOni. 51Josefa akatumidza dangwe rake zita rokuti Manase akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose navose veimba yababa vangu.” 52Mwanakomana wake wechipiri akamutumidza zita rokuti Efuremu akati, “Nokuti Mwari akaita kuti ndive nezvibereko munyika yokutambudzika kwangu.”

53Makore manomwe amaguta muIjipiti akasvika pakupera, 54uye makore manomwe enzara akatanga, sezvazvakanga zvarehwa naJosefa. Kwakava nenzara mune dzimwe nyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti maiva nezvokudya. 55Ijipiti yose payakatanga kunzwa nzara, vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Faro. Ipapo Faro akaudza vaIjipita vose akati, “Endai kuna Josefa muite zvaanokuudzai.”

56Nzara yakati yapararira munyika yose, Josefa akazarura matura akatengesa zviyo kuvaIjipita, nokuti nzara yakanga iri huru munyika yose yeIjipiti. 57Uye nyika dzose dzakauya kuzotenga zviyo kuIjipiti kubva kuna Josefa, nokuti nzara yakanga iri huru munyika dzose.

Copyright information for SnaBDSC